Psalms 121

Rwiyo rworwendo.

1Ndinosimudzira meso angu kumakomo,
kubatsirwa kwangu kunobvepiko?
2Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha,
muiti wokudenga napasi.

3Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke,
muchengeti wako haangakotsiri;
4zvirokwazvo, muchengeti waIsraeri
haangakotsiri kana kuvata.

5Jehovha anokurinda,
Jehovha ndiye mumvuri wako kuruoko rwako rworudyi;
6zuva haringakubayi masikati,
kana mwedzi usiku.

7Jehovha achakuchengeta pane zvose zvinokuvadza,
iye acharinda upenyu hwako;
8Jehovha achakurinda pakubuda kwako napakupinda kwako,
kubva zvino uye nokusingaperi.
Copyright information for SnaBDSC